
Mapurisa ekuMasvingo atanga kutsvaga vanhu vakapamba paimba yaClipsham vakatiza neUS $10 000.
Mutauriri wemapurisa ekuMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa, vanoti makororo aya akatiza nemari inosvika US $ 10 400, RTGS $ 300 nenharembozha.
Dhewa akati makororo akaputsa hwindo pamba apa ndokupinda mukamuri maive makarara Bryan Matake (30) ndokumubira US $ 10 000 uye nhare mbiri.
Makororo aive akapakatira pfuti nemabhemba, akapinda mukamuri maive makarara Namatirai Matake (50) ndokumubira US $ 400, RTGS $ 300 nenhare mbiri vasati vatiza.
Hapana Akakuvara pavanhu vaive pamba apa.