
Vanhu ava vanofungidzirwa kuti vakashandisa pfuti, Vakaendeswa kuCourt mushure mekunge vabira Gateway High School ndokutiza ne Us $250 000.
Vaviri vevasungwa ava vakapfurwa vakafa panguva yekurwisana nemapurisa.
Valentine Mutasa, Godfrey Josi, mudzimai wake Julie Gavaza, naPeter Mushipe vakamiswa pamberi pemutongi wedare reHarare, Evelyn Mashavakure nemusi weMuvhuro vachisangana nemhosva dzekuba nadzo vakapakata zvombo.
Mushipe akaiswa pamubhedha muchipatara mushure mekunge apfurwa nemapurisa panguva yekusungwa kwake.
Josi nevamwe vake vakaenda kuUniversity yeZimbabwe Farm kuMazowe ndokuenda kumba kwaDirector Weng Dong uko kwavakaba $22 000.
Mbavha idzi dzinonzi dzakaba US $20 000 kuSeedex Company.