
Vanhu Vaviri vakabirwa mari inodarika US $ 30 000 nevarume vana vaive vkaapakata pfuti nemapanga mumugwagwa weBulawayo-Harare.
Chiitiko ichi chakaitika neChipiri.
Sekureva kwemapurisa, vaviri ava vaive vaunganidza mari kubva kune imwe kambani yekuBulawayo kuti vaendese kune imwe muHarare.
“Mapurisa emuBulawayo ari kuferefeta nyaya dzekuba kurikuita vanhu nezvombo dzakaitika pa15kilometre muHarare-Bulawayo Road. Vasungwa (4), vaive vakapakatira mapanga uye pfuti isingazivikanwe, vakapamba vaviri US $ 32 078 mari. Vaviri ava vaienda kuHarare mushure mekutumirwa necompany yeHarare kunotora mari kune imwe company kuBelmont, kuBulawayo.