
Hona Video zvoitwa nemayouth e-ZANU PF paKambuzuma, zvinhu hazvisisina kumira zvakanaka, imhirizhonga yoga yoga yavari kuita. Enda paJolas WhatsApp Group +263787876754. unozvionera wega.
Zanu Pf Youth yekuKambuzuma haisi kuda kunzwa chinonzi Triple C kana kuona ani zvake akapfeka Yellow. Kambuzuma Zanu Pf youth ikuda kuita musangano wayo wechimbi chimbi izvozvi apo Jolas News ichkupakurirai zvichabuda pamusangano uyu.
Pasvika vanhu vechidiki veZanu PF paKambuzuma Section 3 pama Shops vavhundutsira vanhu vachiti mose murikuita zveYellow tiri kukuona zvedu tichakubatai.
Sezvatiri kuona pa-video rino vazopedzisira vava kupopotedza pachezvavo, vachiratidza kuti vakadhakwa nehwahwa sezvo vazhinji vavo vanga vakatakura ma-bhodhoro ehwahwa. Apa vari kuita izvi vakapfeka hembe dzebato.
Mukuru wavo azovatsiura panguva yavanga vachidambura ma-posters emamwe mapato.