
Award winning Masvingo Zimdancehall artist, Elias Chimbuya uyo anonyanya kuzivikanwa saDudemaster akasungwa achipomerwa kuti iye nevamwe vasungwa vaviri vakarwisa mumwe murume kusvikira afa nemusi weChina zvichitevera kunetsana nekuda kwemudzanga wembanje.
Mushure mechiitiko ichi Elias akabva angotorwa nemapurisa pakarepo.
Elias nevamwe vake vakatorwa neMapurisa nemugovera vachipomerwa mhosva yokuponda munhu, Elias Chimbuya ndiye zvakare anoshanda paGlow Service Station muguta iri.
Zvirikunzi bongozozo iri rakaitika paTirivanhu Bar paVic Range mushure mekunge Tafadzwa Chiumba akapa Chimbuya US$5 yekuenda kunotenga chi-twist chembanje ye50c. Elias anonzi haana kudzoka nechenji ukuo atokuvara kudhara nemudzanga wembanje arimunzira kudzoka izvo zvakabva zvakonzeresa kuti atsemurwe chibhakera chomushaya.
Hondo yakazopera uye Chiumba aive kuMasvingo kunoshanyira mhuri yake iyo inogara muVic Range akasimuka achienda kumba, ipapo hapasi kunyatsozicikanwa kuti chii chakazoitika munzira. Haana kusvika kwaaienda akazowanikwa akafa zuva raitevera muviri wake wakatsokodzerwa chinova chiratidzo chokupondwa kwake.
Mumwe mukadzi anoita zvekukechesa bonde akazivisa nhengo dzeCID kuti akaona Elias Chimbuya nevamwe vake vachirwisa murume uyu mushure mekunge vamutevera achienda kumba kwake. Kuferefetwa kwakaitwa kudzamara vasungwa Elias Chimbuya neshamwari dzake mbiri vasungwa neMugovera.