
Muridzi wepamwe pamba kuKwekwe ane makore makumi maviri nemaviri akabayiwa nebanga nemuroja wake zvichitevera kukakavadzana pamusoro pemari yerent.
Mapurisa akatsigira kufa kwaPrayer Banda weMbizo 18 kuKwekwe mushure mekubayiwa naVictor Moyo (24).
Chiitiko ichi chakaitika muMbizo 18 kuma2 mangwanani eMuvhuro.
“Tiri kuongorora nyaya yekupondwa kwemurume ane makore makumi maviri nemaviri akafa mushure mekubayiwa kamwe nebanga nemuroja,” akadaro Mutauriri weMapurisa kuMidlands Inspector Emmanuel Mahoko.
Zvinonzi landlord vakamuka mangwanani vakananga kuimba yemuroja uko vakanotanga kuita ruzha vachimanikidza roja kubuda mumba.
Kusanzwisisana kwakatevera uye landlord vakabuditsa banga kuyedza kubaya muroja.
Mushakabvu akakurirwa simba akatorerwa banga.Moyo akashandisa banga rimwe chete kubaya mushakabvu uyo akabuda ropa rakawandisa, ”vanodaro Inspector Mahoko.
Banda akaedza kutsvaga rubatsiro kubva kuvavakidzani vake asi akadonha ndokufa asati awana rubatsiro.