
Mapurisa eZimbabwe Republic Police anoti parizvino atadza kuziva vanhu 20 vakaparara mutsaona yakaitika mumugwagwa weMasvingo-Zvishavane neMuvhuro masikati nokuda kwekuti vafambi ava vaifamba vasina zvitupa.
Mapurisa achitaura anoti vanhu 18 vakafira panzvimbo iyi, kuchizotio vaviri vakazonofa vava muchipatara cheZvishavane District Hospital.
Vazhinji vevanhu vakaparara mutsaona iyi vanga vasina zvitupa izvo zvapa kuti mapurisa anetseke pakuvaziva, mutauriri wemapurisa munyika, vaPaul Nyathi, vanodaro vachitaura neDaily News nezuro manheru.