
Mapurisa emuBindura ari kupomerwa mhosva yekuramba kutora chichemo chemumiriri weCitizens Coalition for Change uyo akapisirwa imba yake neMugovera wapera neavo vanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF.
CCC inoti Shambare akarasikirwa nemabhasikoro matatu, chikafu, mbatya nemagumbeze mukupiswa kwimba yake neMugovera manheru. Akanga akarara mukati memba yekurara panguva yaakapisirwa imba.
Munyori anoona nezvekuchengetedzwa kwevanhu muCCC, VaMaureen Kademaunga vanotsinhira nyaya iyi, “Imba yakapiswa mushure mekunge VeZanu PF vatumira VaShambare mutongo usina kujeka nokuti vainge vaita musangano weCCC.
VaShambare vainge vakarara mumba mavo vakapona nepaburi retsono mushure mekunge vamuka moto uchipisa denga uye nekunzwa mazwi aive apanze achivatyisidzira kuti aizovapisiramo.”
Kumhan’ara nyaya iyi hakuna chakwakabatsira sezvo mapurisa asina kutora matanho mukuona kuti mhondi dzakaita izvi dzasunga.