
Mapurisa emuGweru atanga chirongwa chinonzi “Chishika-Shika Chapera” chakanangana nematekisi nemakombi.
Vatyairi vematekisi vanga vachitora mukana wekushomeka kwemabhazi akatenderwa nekuda kwemitemo yeCovid-19 yelockdown iyo inorambidza kufamba pakati pemaguta nezvimwewo.
Mangwanani ano, matekisi akawanda abatwa uye Gweru Central Police Station yapera nzvimbo, nemapurisa atora mamwe matekisi nemakombi akaendeswa kuMtapa nekuMkoba 1 station.