
Mapurisa emuManicaland vanoti vasunga vanhu vakati kuti vane chekuita norufu rwemwanasikana akafa achisununguka wekwaJohane Marange uyo akafira kuBocha shrine.
Zvakanzwikwa nezuro neWomen’s Affairs minister Sithembiso Nyoni panguva yemhemberero dzevirtual commemorations of the World Population Day.
Zvakadaro Nyoni haaana kukwanisa kunatsobuditsa zvakakwana maererano nenyaya iyi.
“Ministry yangu yakanzwa nezvechiitiko chinosuwisa icho musikana ane makore gumi nemana akafa achisununguka kuBovha,Marange.Ndinoda kuzivisa nyika kuti tiri kushanda zvakaomarara maringe nenyaya iyi”,Nyoni anodaro.
Ndatambira shoko rokuti vamwe varipo maringe nenyaya iyi vasungwa.Mutemo uri kuita basa rawo.Nyaya yemwanasikana wekwaMarange iyi inotiratidza kuti nyaya dzekuroorwa kwevanasikana vechidiki dzichiri kuenderera mberi munharaunda dzatigere.
National police spokesperson Assistant Commissioner Paul Nyathi vakati vachabuditsa imwe tsvagurudzo kuti nyaya iyenderere mberi.
Zvinonzi mushakabvu Memory Machaya akarambidzwa kuti abatsirwe nanaChiremba nevatungamiri vekereke,uyo wavaive vakachengeta pashrine kusvika afa achitadza kusununguka.
Chiitiko ichi chakatora nzvimbo musi wa15 Chikunguru 2021.