
Mapurisa emuHarare vari mubishi kusungwa avo vari kunwa hwahwa mumabhawa.Zvakadaro vakasunga vanhu vanokwana 60
Pavaka poster patwitter, ZRP yakati kusungwa kwevanhu uku kuchaenderera mberi kudzamara veruzhinji vatevedzera mutemo weCovid-19 wekusaungana munzvimbo dzinowanikwa vanhu vakawanda.
“Vanhu 60 vakasungwa muHarare nezuro manheru vaityora mitemo yeCOVID-19. Vanoshanda mumabhawa ehusiku vanofanirwa kuva muenzaniso. Tese ngatiteedzere matanho akatorwa neHurumende kuti munhu wese ave nehutano nekuchengetedzeka, ”yakatumira ZRP.