
Mapurisa ari kutsvaga hama dzemushakabvu Kenneth Sibanda uyo ane mwedzi ari paEsigodini District Hospital.
Mutauriri wemapurisa kuMatebeleland South, Inspector Loveness Mangena anoti Sibanda aiva nemakore 69 akafa musi wa15 Chikunguru mushure mekunge arwadziwa nemudumbu.
“Mapurisa ndivo vane mutumbi waKenneth Sibanda akafa ane makore 69. Mushakabvu aigara neshamwari yake kuJacaranda Suburb kuGwanda apo vakasangana kuBina Mine. Musi wa15 Gunyana mushakabvu akabva pamba achiti akunotsvaga huni, aiva nehistory yekurwadziwa nemudumbu.
“Ari pakati pekutsvaga huni apo akadonha ndokufira panzvimbo. Mutumbi wake wakatendwa nawo kuEsigodinu District Hospital Mortuary ako kwauchiri. Hama dzomushakabvu kana ani angaziva Kenneth Sibanda ngaafonere Inspector Mangena nanumber dzelandline dzinoti 08428-22810 kana kuti cell number 0772 226 819/0176 683 680. Kana kuti vanofonera investigating officer Constable Vashiko panumber dzinoti 0776 232 369 kana kuzivisa mapurisa ari pedyo,” Vanodaro VaLoveness Mangena.