
Masangano anorwira kodzero dzevanhu muBritain anoti ari kutyira kuchengetedzeka kwezvizvarwa zveZimbabwe zvakadzingwa munyika nendege yeHome Office neChitatu manheru.
Ndege iyi yakasimuka panhandare yendege yeBirmingham yakananga muHarare, kunyange hazvo paine kunyunyuta kuri kuitika muZimbabwe.
Huwandu hwevakadzingwa hahuna kukwanisa kuzivikanwa asi mamwe mapoka emushandirapamwe anofungidzira kuti vanhu gumi vanga varimo.
Mumwe wevakadzingwa, maererano naKaren Doyle weboka reMovement for Justice, akanga agara muBritain kwemakore anopfuura 20 uye airwara nepfungwa.
Sachigaro wesangano reBlack Activists Rising Against Cuts, Zita Holbourne, avo vanga vachikurudzira kumisa ndege iyi, vati ruzhinji rwevarume vanotarisirwa kudzingwa ndevakatiza kushungurudzwa nezvematongerwo enyika muZimbabwe. Holbourne akati:
Zvinonyadzisa kudzinga vanhu munyika muchiziva kuti hupenyu hwavo huchange huri panjodzi muZimbabwe uye vane mhuri imwe chete iri muno muUK. Vazhinji vakauya kuUK vari vana nevabereki vavo vachitiza kutambudzwa.
Varatidziri ava vari kutyira kuti vamwe vevakadzingwa ava vanga vari varwiri vekodzero dzevanhu pamwe nevezvematongerwo enyika uye vari munjodzi kubva kuhurumende yaVaEmmerson Mnangagwa iyo yavanoti inoshandisa kupamba, kushungurudza, kusunga vanhu zvisina tsarukano uye chisimba kuti vanyaradze vanoshora.
Zvichakadaro, hofisi yebazi rezvemukati menyika muUK yatsigira kudzingwa kwevanhu ava, ichiti vari kubviswa matsotsi nembavha. Yakati:
“Hurumende haikumbire ruregerero nekubvisa mhondi, mbavha nevanoshungurudza vana. Havana kodzero yekugara muUK.
Kubva muna Ndira 2019 takabvisa vanopfuura 10 017 matsotsi ekunze”.