
‘Vahosikadzi vekuGweru Amai Prisca Mupini vane makore (39) okuberekwa,’ vakatongerwa kugara mujeri kwemakore gumi 10 nemhosva yekuba tambo dzemhangura kana kuti Copper cables dzinokosha US$1 000 kuWoodlands kuGweru.
Mambokadzi uyu nevamwe vake vaviri vanonzi, Prince Darawanda ane makore makumi maviri nemasere 28 naSydney Mungofa ane makore makumi matatu nemaviri 32, vakabva vapihwawo mutongo wakafanana neChishanu.
Vamwe vasungwa vaviri vaipomerwa mhosva iyi, Perfect Chiromo naChristian Nkosana vakanzi havana mhosva. —ZBC News Online.
Unotiwo Kudii Nenyaya Iyi?