
Mutungamiri weUnited Family International Church Emmanuel Makandiwa uyo akamboita mukurumbira wekushoropodza Nhomba yokudzivirira hutachiona hwedzihwamupengo nezuro akabuda achitaura achikurutsidzira vomu Church yake kuti vanobayiwa jekiseni rokudzivirira hutachiona hweCovid-19, achiti pakanga pasina zvikonzero zvokuti uregere kubayiwa.
Makandiwa akati akatambira mibvunzo yakawanda kubva kuvateveri vake vaida kuziva kana vachifanira kubaiwa jekiseni kana kuti kwete sezvo vaimanikidzwa nevavanoshandira.
Akatsanangura kuti aisapesana nemajekiseni uye akange agamuchira majekiseni akawanda kare uye akaraira vateveri vake kuti vabaiwe jekiseni kuitira kuti vasarasikirwe nemabasa izvo zvinozoita kuti mhuri dzavo dzitambure.
“Hapana chip mujekiseni,” akadaro. “Hamuna chiratidzo mujekiseni. MaKristu anotya, kutya hupenyu hwavo uye kuyedza kuzvidzivirira ivo nevadikani vavo kubva pakugamuchira mucherechedzo wechikara nekutambira mushonga. Uyu mushonga weCovid-19 kwete mucherechedzo wechikara. ”
“Ndakataura kangani kuti usamhanye, usave wekutanga, rega ivo vaite vokutanga kubayiwa iwe hozobayiwawo. Kana ndiri kuti usave wekutanga, ndiri kuti iva wekupedzisira kana wechipiri. Sei uchifanira kusava wekutanga imhaka yokuti hausiwe wakagadzira nhomba yacho.
“(Kana ukasabaiwa jekiseni) haupinde muchitoro, haushande imomo, hautenge, hautengesi, haugamuchirwe mune chero chipatara, vana vako havabvumidzwe muzvikoro. Saka hazvisi zvekungorasikirwa nebasa rako, warasikirwa nerusununguko rwako rwese. Unenge usisipo semunhu wenyama. — The Herald