
Mahobho anoshanda kuRailways of Zimbabwe akasungwa mushure mekuuraya murume aiba masimbi kuWorkshop muMpopoma.
Izvi zvakaitika paNRZ Marshaling Yard muMpopoma muBulawayo, ndiko kwaishanda mahobho uyu, Luckson Chinyama.
Mupurisa wemuBulawayo Abedinico Ncube murume uyu akauraiwa munguva dzemakuseni 4:30 am.
Mapurisa emuBulawayo akasunga Luckson Chinyama murume ane makore (58) kuWestgate NRZ Security Camp, Bulawayo, anoshanda samahobho kuNational Railways of Zimbabwe nenyaya yekuuraya kwaakaita muWestgate Bulawayo.
Musiwa (28) July mangwanani Luckson Chinyama aive akatakura pfuti uye misi uyu aishandira kuNRZ Marshaling Yard, Mpopoma, Bulawayo akauraya mbavha yaibe nemakore (40) ekuberekwa yaiba masimbi kuRepair Siding Workshop.
Mbavha iyi payakaonekwa yakatanga kutiza, Chinyama akaburitsa pfuti yake akaipfuura, akapfuurwa kamwechete akafa.
PaNRZ yatambura nekubirwa zvinhu zvavo kubva kare.