
Mukadzi weku Chitungwiza arasikirwa nezvinhu zvake zvese nemari kumunhu anozviti muprofita panguva yaaitirwa miteuro yake kuZengeza nemusi weSvondo.
Lolleen Nengomasha, ane makore makumi mana nemasere, arikuzvidemba nekukoka munhu waasingazive anonzi Madzibaba Tatenda anotenda kuti anoporesa kumba kwake achida rubatsiro.
Nengomasha akaudza H-Metro kuti Madzibaba Tatenda vakamudhakisa pamwe chete nemwana wavo mudiki kuti varare vakabva vadhakwa kusvika masikati amangwana aitevera, pavakazomuka vakawana muporofita atora zvinhu zvose zvakakosha zvaiva mumba zvese nemari.
Nengomasha akamhan’ara nyaya iyi kuSt Mary’s Police Station uye Madzibaba anonzi haaisi kuwanika panzvimbo chinova chiratidzo chokuti akatotiza.
Zvinhu zvakabiwa naMadzibaba Tatenda panguva yavakanga vadhakiswa zvinosanganisira magumbeze, mbatya, zvigadzirwa zvemagetsi, grocery, nharembozha nemari inoita US$300.
“Ndirikuzvidemba nekumukoka kumba kwangu kuminamato. Akazouya kuma 6pm manheru akatakura dota raaiti nderepamazambara.”
“Raive rakasanganiswa nechimwe chinhu chine ruvara rwebhuruu uye ndakanzi ndinwe mvura isingazivikanwe pamwe chete nemwana wangu nsokubva tadhakwa tose.”
“Ndakanzwa dzungu ndikawira pasi, nekunwa mvura yacho kwandaive ndaita. Ndakazomuka ava mangwana masikati pandakazotanga kunyatsoziva dzakamga dzava 3pm. That was the time that we discovered kuti the house was empty zvekutakura nenyama yaive mu fridge.”
“Vamwe vavakidzani vakandiudza kuti ave nenguva achiita izvi uye achiti anogara kuUnit N vamwewo vachiti anogara kuChisipiti.”
“Dota rakasara ritoripo netunhu twe bhuruu mukati maro,” akadaro Nengomasha. — H Metro