
Mabhero 85 ecotton ane huremu hwe25 tonnes akatsva nemusi weMugovera mangwanani munzira yeChinhoyi-Chegutu Road.
Cotton iyi yaive yatorwa kubva kuRafingora uye gonyeti rakanga rakatakura cotton iyi rakanga rakananga KuCottco Zimbabwe ginnery kuChinhoyi. Mabhero akatsva kuita madota chaiwo, Apo gonyeti ranga rasarwa ne1 kilometre kuti risvike paginnery.
VeHerald pavakasvika, vashandi veCottco nevamwe vemunzvimbo iyi vaimhanyidzana kudzima moto sezvo Municipality Fire Tender yeChinhoyi yakakundikana kusvika panzvimbo iyi
Vanhu vakaedza kudzima moto asi vakakundikana kwechikwata. Vakaona zvichiitika vakati mutyairi akaudzwa nezvemoto nevamwe vatyairi asati abuda mumugwagwa.
Mutyairi wegonyeti, akavhunduka uye akakumbira kusazivikanwa, akati akange afamba chinhambwe 110 kilometers kubva kuRafingora.
“Ndinofungidzira kuti moto wakakonzerwa neutsi hunobuda paexhaust pipe. Ndakaudzwa nevamwe vatyairi vakaona cotton ichibvira, ”akadaro mutyairi
Vanhu vakaedza kuwana mashoko kubva kumukuru anoona nezve Cottco Public Relations Officer, Victoria Mutomba, kuti kukosha kwemabhero akatsva nezuro kunyange hazvo vamwe vakuru veCottco vakati 25000 kilogrammes ayo akatsva aita mari inosvika $ 2,1 million .