
Mamwe mabhawa ekuBulawayo akatanga kurambidza vanhu vasina kubaiwa Covid-19 vaccine kuti vapinde mubhawa.
Imbibers anoti vakarambidzwa kupinda mumabhawa nokuti havana kubaiwa anotaura izvi achiudza NewZimbabwe. com.
Palace hotel iri muna 8th avenues naJason Moyo ndiyo imwe yenzvimbo ikurambidza vanhu vasina kubaiwa kuti vapinde.
“Ndiri munhu anogara achipinda muPalace Hotel asi ndakashamisika vhiki rapfuura ndichion vanhu vakasimba vachindibvunza Covid-19. Sezvo ndisina kubaiwa ndakazama kuda kutaurirana navo asi vakaramba,” anodaro Tau.