
Masoldier maviri asungwa mushure mekubira varume vaviri mari yavo yavakazvishandira mushure mekuvapomera mhosva yekusatevedza mitemo yeCovid-19.
Masoldier maviri aya pana Mbonisi Ncube (20) naPeace Maphosa (21) uye variku 2.1 Reserve Battalion, Mt Darwin.
Zenzo Masina (53) aifamba achienda kuLobengula West achibva kuNjube surbub manheru musiwe sunday vhiki rapera mushure mekuparadzana nzira nemunin’ina wake Brighton (39), akasangana nevaviri ava Maphosa naNcube.
Vakamupa mhosva yekusatevedzera mitemo yecovid-19 uye kufamba-famba munguva dze-curfew.
Vakamubata ruoko vasati vamurova nemaoko vachimubvunza nezve mari, Masina akavapa US$20 ne80 bond, ndokubva vamusiya achienda.
Mushure meminutes gumi vakasangana naBrighton uyo aidzokera kumba kwake uye vakamuita zvimwechete zvavaivevaita mukoma wake. Paaiedza kutaura navo, vakamudzipa pahuro ndokutanga kumurova kumeso nemusoro vaichinjana kumurova.
Vakamuudza kuti varikuda mari, asi aisakwanisa kuvapa nekuti aive asina chaaive nacho.
Rombo ravo harina kuzoshanda mushure mekunge ana ndini ndamubata vasvika paive nevarume ava vakavasungwa, Vakaendeswa kuNjube Police Station.