
Mutevedzeri wegurukota reLocal Government And Public Works , Amai Marian Chombo, varamba mashoko ekuti mabhazi eZimbabwe United Passenger Company (ZUPCO) anogona kuhaiwa chete nemamwe mapato ezvematongerwo enyika vachiti mabhazi aya anokwanisa kuhaiwa nemunhu wese.
Marian Chombo vakataura mashoko aya mudare reNational Assembly neChitatu chapfuura apo vaipindura mumiriri weMagwegwe, Amai Anele Ndebele (MDC Alliance) avo vanga vabvunza kuti sei ZUPCO yakahaya mabhazi anoenda kune mamwe mapato ezvematongerwo enyika ichisiya vatyairi vapererwa.
ZUPCO ikambani yehurumende uye tinopa mabasa ekufambisa. Isu hatisarudze bato ripi rezvematongerwo enyika rekuhaya, uye mutemo wedu wekutanga unokoshesa mufambi uye ndipo patinogona kuhaya mabhazi edu.
Hazvina kunaka kutaura kuti tinohaya mabhazi edu kune mamwe mapato ezvematongerwo enyika — handizvo. Chero ani zvake anogona kuuya kuzohaya mabhazi eZUPCO.
Chokutanga pane zvose, tisati tabvumirana kuhaya bhazi iroro, tinotanga taongorora kana pane chokufambisa chakakwana chevafambi.
Kana paine chero nzvimbo isina mukana, zvinoshungurudza isu tinohaya zvekufambisa kuenda kune chero mabasa. Saka hazvisirizvo zvekuti tinohaya kune mamwe mapato ezvematongerwo enyika.