
Mapurisa mashanu asungwa, apo vamwe varipakati pokuferefetwa pamusoro panezvirikuitika kumuganu weku Mozambique kurikunzi varikubatsirana nevanhu varikupinza zvinhu munyika zvirikunze kwemutemo.
Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi vaburitsa kuti mamiriro ezvinhu arikuratidzika pachena kuti vanochengetedza miganhu varikuita huori munyika zvinhu zvipinda vachipihwa chioko muhomwe.
“Huori pakati pemamwe emahofisi edu kumiganhu yenyika hurikukanganisa mashandiro edu kuti tigadzirise zvinhu. Mapurisa anosvika mashanu vasungwa vachipomerwa mhosva yekushanda nemasangano akasiyana siyana kupinza zvinhu munyika zvisiri pamutemo uye zvakawanda zvichiri kuferefetwa.”
“Tiri kuti zero tolerance against corruption and we mean it. Vanotengesa zvisiri pamutemo vaive vachienderera nemabhizimusi avo zvisiri pamutemo nekuti paive nevamiriri vemitemo vaive vakatarisa kune imwe nzira mushure mekugamuchira chiokomuhomwe.” vanodaro.
“Vafambi ava vane hunyanzvi uye vane hungwaru, vanochinja nzira dzavanofamba nadzo zuva nezuva migwagwa vachinzvenga mapurisa asi tinoti zvose zvichapera.
Assistant Commissioner Nyathi vatiwo kusungwa kwakaitwa vanhu vanofungidzirwa kuti vakapinza dhiziri rinodarika 19 000 litres munyika nekuChipinge zvinoratidza kuti vatevedzeri vemitemo ndivo vari kutonga muganho wese.
“Tine ruzivo rwese uye vemitemo vanochengetedza miganhu kumativi ose. Zvese zvinofanirwa kupinda munyika zvinofanira kuzivikanwa,” vanodaro zvakare.
Vanhu vatatu vakabatwa kuHarare svondo rapfuura vakaendeswa pamberi pemutongi wedunhu reMutare vachipomerwa mhosva yekutyora mutemo weCustoms and Exercise Act mushure mekunge vapinza zvisiri pamutemo marita 19 000 edhiziri kubva kuMozambique nenzira yekuyambuka zvisiri pamutemo nekuSouthdowns kuChipinge.
Vatatu ava ndevanoti, Charles Dube (54), Tanaka Kwaadini (27) naDennis Chinokora (27) vakamira pamberi paVaLangton Mukwengi ndokunyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.
— Manica Post