
Msindo Makuyana, weNew Year’s Gift, aenda pamberi pedare Chipinge magistrate, Mrs Elizabeth Hanzi musiwe chipiri, ane nyaya yekurara nemwana mudiki zvirimu Section 70 yeCriminal Law(Codification and Reform)Act.
Makuyana akawanikwa aine mhosva akapiwa mwedzi (36) arimujeri.
Mwedzi mitanhatu yakatapudzwa nenyaya yekuti aisazodzokorodza kuita zvimwechete pamakore (5) anotevera.
Akabvunzwa kuti sei akaita izvi, Makuyana anoti ndainge ndafarira musikana uyu.
“Ndaisaziva makore emwana uyu. Ndaifunga kuti musikana uyu munhu mukuru nenyaya yemuviri wake. Ndinokumbira kuregererwa nekuti ini nemukadzi wangu tinowirirana. Handina kumumanikidza kuita mukadzi wangu,” Makuyana anokumbira.
Prosecuting, Ms Chipo Matanga vanoti musiwa 8August, Makuyana akasangana nemumhan’ari kuSamhutsa Business Centre kwaakakandwa shoko.
Musikana akabvuma kuroorwa naMakuyana uye akabvuma kudanana naye.
Ms Matanga vanoti vaviri ava vakaenda vese kumba kwaMakuyana kwavakatanga kugara semurume nemukadzi. Vati nyaya iyi yakabuda pachena mushure mekunge vaviri ava vashanyira tete, Mai Susan Sigauke uko kwavakaenda kunozivisa Makuyana semurume wavo.
“Ms Sigauke vaudza Makuyana kuti haakwanise kuroora mwana uyu nenyaya yemakore ake,”Ms Matanga vanodaro.
Ms Sigauke vakanotaura nyaya iyi kumapurisa zvakaita kuti Makuyana asungwe.
Musikana uyu akaendeswa kuChipinge District Hospital kunorapwa.