
BAZI reDepartment of Veterinary Services (DVS) rakauraya nekupisa mombe gumi nembiri paArda Sanyati mushure mekunge zvipfuyo izvi zvabviswa zvisiri pamutemo munzvimbo yaive neFoot and Mouth Disease (FMD) red zone.
Kupiswa kwe zvipfuyo izvi kwakaitirwa kudzivirira kupararira kwechirwere cheFMD uye bazi rakapihwa mvumo yekupisa zvipfuyo zvakabuditswa munzvimbo pasina mvumo. Dr Machakwa vanoti kana varimi nevatengesi vakatamisa mhuka zvisiri pamutemo, dzingave mombe, nguruve, mbudzi, hwai nemhuka dzesango vasina mvumo kubva kuDVS, zvipfuyo izvi zvinopiswa uye varidzi vacho vanobvsa faindi kana kuvharirwa mujeri.
Vanoti muna Gunyana 2021, VaSimukai Zvandasara, vekuMavimbi dip tank, kwaChireya, kuGokwe North vakatamisa mombe gumi nenhanhatu kubva kuGokwe North vasina kutenderwa.Mombe dzakaendeswa kunzvimbo inonzi Mabhangara mudunhu reSanyati.
āMusi wa28 Kukadzi 2022, VaZvandasara vakasungwa neveZRP Sanyati vachitamisa mombe 12 kwaMabhangara, mudunhu reSanyati vachidzidzosera kwaMavimbi dip tank, kuGokwe North vachityira kuti mombe dzavo dzaizopiswa nebazi rezvezvipfuyo.
āVanhu ngavasiyane nekufambisa mombe zvisiri pamutemo. Kufamba kwezvipfuyo zvisiri pamutemo ndiko kunonyanya kukonzera kutapurirana kwezvirwere zvezvipfuyo kubva kune imwe nzvimbo kuenda kune imwe, saka chinotyisa iFMD neJanuary Disease,ā vakadaro Dr Machakwa.
Nyika iri kutenga majekiseni ekudzivirira chirwere cheFMD kudzivirira kupararira kwechirwere ichi izvo zvinogona kuitwa nekudzora kufamba kwemhukaāKana varimi nevatengesi vakatevedzera mitemo yekufamba kwezvipfuyo, Zimbabwe inokwanisa kuchengetedza hutano hwakagadzikana apo isu tisina zvirwere zveFMD,ā
āTiri kushanda neMapurisa pama-roadblock munyika yose kuitira kuti mombe dzose dziri kufamba dzichienda kumapurazi nemisika dzive nemagwaro anodiwa ekurapa zvipfuyo, uye hadzina zvikwekwe sezvinodiwa nemutemo,ā vakadaro.
Zviratidzo zveFMD zvinosanganisira kuwandisa mate, kukamhina, kuvapo kwemaronda mumuromo uye pakati pezvigunwe. Nyika dziri kusangana neFMD dzinotambura nekutengesa zvipfuyo zvadzo nekuda kwe zvirambidzo zvinomisa kutengeswa kunze kwenyika.
Vechikamu munyaya dzezvipfuyo vanoyambirwa zvakasimba kuti vatevedzere zvisungo zvezvipfuyo kana hupfumi hwemombe huchizomuka.
The Herald