
BBC.News
Kubvisa vanhu muguta reMariupol kwakundikana kechipiri zvakare mushure mekunge mauto eRussia atanga kurwisa kunyangwe vakanga vakabvumirana kumbomisa hondo kuti vanhu vawane kubuda.
Vanhu vanosvika vatatu vanonzi vafa vachizama kutiza guta reIrpin, mushure mekunge mabhomba eRussia ananga pazambuko iro ravanga vachishandisa.
Zvichakadaro mhuri dzaparadzana sezvo varume vanemakore 18 kusvika 60 okuberekwa varambidzwa kubuda vachinzi vasare vachibatsira mauto eUkraine kurwisa Russia.