
MDC inotungamirwa navaDouglas Mwonzora inonzi irikuronga kudzinga maseneta, emu paramende, nemakanzura ekuMatabeleland North iyo yainopomera mhosva yekutsigira MDC Alliance inotungamirwa naVaNelson Chamisa.
MDC-T kubva muna 2020 irikudzinga vanhu veMDC Alliance ichishandisa simba rayakapihwa nedare Mushure rati, kugadzwa kwava Chamisa pachigaro zvichitevera kufa kwaVaMorgan Tsvangirai muna 2018 kwaive kusiri pamutemo.
Morgen Dube, sachigaro webato kumatunhu eMatabeleland North, nguva pfupi yadarika akanyorera hutungamiriri hwepamusoro hweMDC-T hwaisanganisira Mwonzora achivazivisa kuti kwava nevamwe zvakare varikufanirwa kudzingwa avo vasiri kushandira zvido zvebato rava Mwonzora.”
Zvakabuda pachena kuti mumiriri weHwange Central, mudare reparamende, Daniel Molekele ndemumwe wevakuru vakatarisirwa kurangarirwa. Dube anodaro.
“Tiri kukumbira nemutsa kuti kudzingwe kwenhengo yeUpper House of Assembly, House of Assembly member, provincial council members, ne local government members sezvakanyorwa pazasi ava ndivo varikufanirwa kudzingwa.”
*Provincial council members*
1) Caroline Ndlovu
2) George Siachuma
3) Sharon Ndlovu
4) Chiratidzo Mdimba
Kuchitio kuma Councillors arikutarisirwa kudzingwa anobva kumatunhu eHwange West neCentral ndeanoti;
1) Steve Chisvosve
2) Salome Chirwa
3) Teresa Mtara
4) Tendai Sibanda
5) Bakani Kwidini
6) Edmore Zhou
Nhengo dzataurwa idzi hadzichashandire zvido zvebato dzava kuratidza kutsigira MDC Alliance, vanodaro vachiisa report kunava Mwonzora.
Vanhu ava varikuonekwa vachienda kumisangano yeMDC Alliance ndokusaka vatarisana nokudzingwa.