
Mapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) anorambidza kutakurwa kwezvombo zvinogona kukonzera kusagadzikana kwevanhu kana kutyora runyararo rwemuHarare – Metropolitan Province.
Mumashoko ataurwa mangwanani, nemutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Tendai Mwanza vati mutongo uyu uri muchikamu che-section number 4 chemutemo weMaintenance of Peace and Order Act (MOPA) Chapter 11:23).
Zvimwe zvezvombo zvarambidzwa zvanosanganisira makatwa, matemo, mapfumo, mapanga, matombo, uye chero netsvimbo yeN’anga neTsvimbo dzeMapositori zvadzo hadzisi kutenderwa nechikomzero chokuti zvinogona kukonzeresa kusagatsikana munyika.
Insp Mwanza vakati mhosva dzemhirizhonga dzakapararira muHarare central, Harare Suburban, Mbare, Harare South neChitungwiza dzinosanganisira zvarambidzwa izvi.
Vemutemo vanoti, isu semapurisa, tinoda kuchengetedza runyararo munharaunda medu uye kubvisa mhondi nematsotsi muno muguta reHarare.
Insp Mwanza vakati odha iyi ndeyemwedzi mitatu, kureva kuti, kubva July 15 kusvika October 15.