
Marriage officer, nevanga vachiita muchato kusanganisira vamwe vanhu 4 ma service providers vasungwa mushure mokuwanikwa vakaunganidza vanhu pamuchato vachityora mutemo we lockdown level 4 kuChuru Farm.
Pastor Brian Macala, avo vanemakore 31, veZAOGA Churu Farm Assembly vawanikwa vachitungamira muchato waClaris Ngwenya, 23, naOnward Chamboko, murume anemakore 42.
Vatatu ava vasungwa pamwe chete na-cameraman, Blessing Chinhengo, pamwechete nevamwe vanoti, Bindura based disc jockey, Ishmael Karivo, Raston Kadambure, Wayne Madya naFungai Nyamuradza.
Vanomwe ava vaendeswa kukamba yemapurisa yeku Glen View uko kwavasviko vharirwa ndokubva vazosunungurwa mushure mokubhadhariswa mari ye-find.
Mutauriri wemapurisa mudunhu reGlen View Inspector Tendai Mwanza vatsigira kusungwa kwevanhu ava, vachikurudzira vanhu kuti vatevedze mitemo yeCovid-19 sezvo mutemo we level 4 uchirambidza kuitwa kwemichato nekuungana kwemachechi.