
Pa-video riri pano tirikuona kamwe kamwana kadiki kachifukunurwa kubva muma-rubbles edzimba dzakadonha mushure mekundengendeka kwakaitika muSyria neTurkey mazuva mashoma apfuura.
Huwandu hwevanhu vakashaika apo earthquake yakarova nyika yeTurkey neSyria huri kuramba huchiwedzera zvekuti hwavakutosvika ku12 000. Vamwe ndivowo varikuita rombo rakanaka rwekununurwa vachiri vapenyu.
Zvichakadaro nyika dzakaita seUkrain dzakatumirawo vamwe vanhu kuti vabatsire mukununura vanhu vakawirwa nedambudziko iri.
Hona video riri pano rinobata moyo apo kamwana kaburitswa kari kapenyu muhungwandagwanda uhu.
By Tete Jolah Msalad