
ZBCNews
Kambani inotakura vanhu yeZimbabwe United Passenger Company (ZUPCO) yazivisa kuti manheru ano pachave nedambudziko rezvifambiso zvichitevera kunonoka kutakura kwemafuta ekufambisa edzimotokari.
Muchiziviso, ZUPCO yakurudzira veruzhinji kuti vasavhunduka, ichiti “vane hunyanzvi vari mushishi kuona kuti dambudziko iri ragadziriswa.
Isu tinoramba takazvipira uye ticharamba tichishandira nyika nekufamba kwakachengeteka, kwakavimbika uye kusingadhuri. ”