
Mutungamiri weMovement for Democratic Change-Alliance, VaNelson Chamisa, vanzwa shoko rataurwa nava Emmerson Mnangagwa, kuti vachitonga nyika ino nekusingaperi zvichireva kuti ivo nebato ravo reZANU-PF vachatonga Zimbabwe zvachose.
Kutaura kwakadai kwasiya vaChamisa vatsamwa zvakapfurikidza ndokupindura mashoko aVaMnangagwa okuti bato ravo richatonga Zimbabwe nekusingaperi, VaChamisa vanoti Mwari chete ndivo vanogona kutonga nekusingaperi.
VaChamisa vayambira VaMnangagwa kuti shanduko haigoni kumiswa, kunyangwe nani zvake munhu angaedze kuimisa.