
MDC yakuda kubatana neSangano rePolitical Actors Dialogue (Polad),iyo yakagadzwa kuti ikurukure zvine chekuita nenyika.
Mutauriri weMDC-T, VaLloyd Damba, vanoti vakamirira kukokwa zviri pamutemo kubva kumusangano wePolad.
Mutungamiri weMDC-T, VaDouglas Togarasei Mwonzora “Takamirira kukokwa chete. Kana kukokwa kuri pamutemo kukauya, tinobvunza nhengo dzebato redu uye kanzuru yenyika ichatora danho rekupedzisira,”vakadaro VaDamba.
Vati vane chishuwo chekushanda nemapato ezvematongerwo enyika ari kufambira mberi mukusimudzira zvizvarwa zveZimbabwe.
“Kune izvo zvatinofanirwa kuwana, hazvisi zvemapato ezvematongerwo enyika chete, asi ndezvevanhu vemuZimbabwe,” vakadaro VaDamba.
Polad iboka rezvematongerwo enyika rakakwikwidza sarudzo dzemutungamiri wenyika dza2018, iro rakaumbwa pamwechete kuti vakurukure nzira dzekubudirira kwenyika, panguva imwe chete zvichiratidza kubatana kuripo pakati pevanhu vemuZimbabwe kunyangwe paine mamiriro akasiyana ezvematongerwo enyika.