
Harare City council junior employee ari muchikamu chedzimba,uyo ari pasuspension nokuda kwekusashanda zvakanaka muhofisi uye huori panyaya dzemasitendi,atenga imba yekanzuru inodhura kwazvo muBelvedere.
Izvi zvinouya mushure mokunge kanzuru yanyorerwa magwaro nemaSenior Managers nevamwewo vemukanzuru avo vanodawo kugara mudzimba dzekanzuru uye nemutemo unozivikanwa wokuti dzimba dzekanzuru hadzitengeswe.
Tsvagurudzo yakaitwa neHerald inotaridza kuti Mr Aaron Tayerera,clerical officer pachinzvimbo chechi11,avo vakambomiswa basa nokuda kwehuori hwemastands,vakatenderwa kutenga 49a Lancaster avenue iyo inozivikanwa sestand 1448 Belvedere nemari isina kutaurwa,vachitorera kanzuru midziyo.
Masosi anoti imba yekanzuru iyi yakatengeswa USD80 000,iyo yakamutsa kutaura taura sezvo vanhu voti ko munhu ari mugrade 11 pabasa angaiwanepi mari yokutenga mudziyo wakadaro iye achitambira $30 000 rtgs ingangove USD$350.
Zvisineyi panyaya yemutengo,imba iyi inofanira kuramba iri yekanzuru iyo inofanira kugara matop managers anenge achida kugara.
Harare Acting Mayor Stewart Mutizwa vanoti zvechokwadi vakaona kubhadharwa kwemari uye hazvaitenderwa asi zvakaitika pasina ruzivo rwake.