
MURUME anogara kuUnit A, kuChitungwiza, arikuti akashereketerwa nekuiswa runyoka kana kuti rukawo nemukadzi aimbova shamwarikadzi yake zvikakonzera kuzvimba kwegumbo rake uye mudzimai uyu anonzi ari kupika kuti kana achida kupora, anotofanirwa kubvuma kudhudhudzira kunwa weti yake.
VaIshmael Muronda (47) vanoti shamwarikadzi iyi (zita tinaro) ndiyo yakavashereketera nekuda kwegodo rekuti havana kuzoiroora.
Vanoti akavaudza kuti “tichapedzerana” mushure mekunge varamba kumutora semudzimai wavo wechipiri.
Mukadzi uyu, uyo aimbova sahwira wemudzimai wavo, vanoti vakadanana naye nguva yavaishandira kuNamibia kusvikira vazodzoka munyika muno vachiita zvekubiridzira.
“Ndakadanana nemukadzi uyu ari sahwira wemudzimai wangu tichiita zvekubiridzira. Ndingangoti ndiye akatondipfimba nekuti ainditumira mashoko ezvinyadzi kudzimara ndawira,” vanodaro VaMuronda.
Murume uyu anotsenga-tsenga mukanwa apo anobvunzwa kuti vakasasana pabonde kakawanda here nemukadzi uyu.