
Vagari vekwaGomana munzvimbo yeZivhu Village kuNgundu vakasiyiwa vasina neremuromo mushure mekunge zvisaririra (torso nemusoro) zvinofungidzirwa kuti ndezvemwana achangozvarwa zvakawanikwa zvichidyiwa nembwa kuMandiudza Homestead mukupera kwesvondo.
Kudakwashe Zivhu anova Musoro weVillage akatsigira nhau inokatyamadza iyi.
“Tangai Mandiudza akamuka ndokuwana mbwanana yake ichitamba-tamba nechinhu padhuze nenzira uye akada kuziva kuti chii,akabva aenda panzvimbo ndipo paakaona kuti waive mutumbi wemwana achangozvarwa. Akaudza vamwe uye vakauya vakazovhara mutumbi uyu nemashizha kuti imbwa dzimire kudya.Mapurisa akadaidzwa akauya kuzotora zvaive zvasara.
“Izvi zvinokatyamadza uye tiri mubishi kutsvaga muridzi wemhosva iyi nekuti zvinoita kunge munhu akasununguka nezuro akarasa mwana. Chiitiko chinosuwisa mumusha medu, ”akadaro Zivhu.