
NewsDay.news
MUNHU mumwe chete akapinzwa muchipatara midziyo inokosha $600 000 yakaparara apo imwe imba kuLobengula West kuBulawayo yakapfungaira nehutsi nemusi weChina wapfuura.
Vakafanobata chigaro chemukuru webazi rezvemhando dzemoto mukanzuru yeBulawayo, VaLynos Phiri, vanoti moto uyu wakakonzerwa nekubuda kwegas.
“Imba ine makamuri matanhatu yakavakwa nezvidhinha pasi pemachira e-asbestos anoyera 12X12 metres yakatsva nekuda kwekubuda kwegas kubva muimba yekubikira, iro rakabva rapararira kune mamwe makamuri,” akadaro Phiri.
Vati mumwe mudzimai ane makore makumi masere nemashanu ekuberekwa, anonzi S Ndlovu, muridzi wenzvimbo iyi akachema-chema nekufema hutsi pamwe nekuvhunduka kwaakaita, ndokumhanyiswa kuchipatara cheMpilo kunorapwa.
“Imba yekubikira yese yakatsva nemoto uyo wakabva wapararira kune mamwe makamuri. Pfuma inokosha $600 000 yakarasika,” akadaro Phiri.