
Russia yatarisana nekupandukirwa nenyika dzepasi rese zvichitevera mhosva yairi kupomerwa yekunotora vana vekuUkraine zvisiri pamutemo ichivaendesa kunyika kwayo. Putin ane mhosva yaari kupomerwa izvozvi yekuburitswa kwevana munyika zvisiri pamutemo kana kuti illegal deportation, achivaendesa kunyika kwake.
Putin ndiye mutungamiri wechitatu wehurumende kuti apiwe gwaro rekusungwa neICC.
Dare reInternational Criminal Court (ICC) rakapa waranti yekusungwa neChishanu kuMutungamiriri weRussia Vladimir Putin, vachimupomera mhosva yehondo yakaita kuti vana vanosvika zana vabviswe kuUkraine zvisiri pamutemo.
Danho iri richaitwa zviri pamutemo kuitira kuti nhengo dzedare iri 123 dzikwanise kusunge Putin dzomuendesa kuHague kunotongwa.
Moscow iri kuramba ichiramba mhosva yekuti mauto ayo akaita hutsinye panguva yekupinda kwayo kwegore rimwe kumuvakidzani wayo uye Kremlin yakati mutongo wedare uyu uri kutaurwa hauna maturo kwavari.
Kunyange zvikatadzika parizvino kuti Putin akwire mudare iri achitemba masimba aainawo parizvino, asi munguva pfupi iri kutevera, waranti iyi ichamutsoma izvo zvichaita kuti agosungwa oendeswa kuThe Hague kunotongwa kana kuti achazomiswa pamberi pedare reICC.
Mutauriri weKremlin, Dmitry Peskov, akati Russia yakatambidzwa Warrant Arrest ine mibvunzo iri kubvunzwa neICC, iyo yairikuti mibvunzo yacho ndeye nhando uye haingagamuchirike.
Stephen Rapp, Ambassador-at-Large weUnited States for War Crimes Issues pasi pevaimbove mutungamiri wenyika, VaBarack Obama, akati: “Izvi zvinoita kuti Putin ave munhu anenge ari muchinetso chikurusa zvokuti kana akashanyira imwe nyika abve angosungwa ari ikoko. Izvi hazviperi zvakadaro. Russia haigoni kuwana zororo kubva kuzvirango zvehupfumi pasina kutevedza mitemo wenyika dzepasi rose.”
VaPutin ndivo mutungamiri wechitatu ari akatarisana nekusungwa neICC, mushure meOmar al-Bashir wekuSudan naMuammar Gaddafi wekuLibya.
Mugwaro rayo, ICC yakadana Putin kuti asungwe achipomerwa mhosva yekudzinga vana zvisiri pamutemo uye kutamiswa kwevanhu kubva munharaunda yeUkraine kuenda kuRussian Federation zvisiri pamutemo.
Mhosva dzinonzi dzakaparwa munzvimbo inogarwa neUkraine kubva musi wa24 Kukadzi 2022.
Pane zvikonzero zvine musoro zvinobuditsa pachena kuti VaPutin vane mhosva yavakapara inogona kuita kuti vatsomiwe nenyika dzepasi rose,” rinodaro gwaro racho.
Muchuchisi mukuru weUkraine, Andriy Kostin, akarumbidza danho reICC sechisarudzo chenhoroondo kuUkraine uye nemutemo wepasi rose.
Unotiwo Kudii Nenyaya Iyi?