
Hurumende yava Mnangagwa yodzinga mumwe mudhara ane makore 84 weMDC Alliance mudunhu reMashonaland East arikunzi abve papurazi panzvimbo ine 70-hectare, anotumirwa mapurisa kubva kubazi rezveminda kunyangwe hazvo aine tsamba yekupihwa nzvimbo iyi.
Obert Rukato wePlot 10, Ward 20, ku-ward 52 kuChikomba West akaudza Masvingo Mirror kuti akapihwa munda muna 2006.
Asi nemusi weChipiri svondo rapfuura, Rukato akashanyirwa nevakuru kubva kubazi rezve-land avo vakamuudza kuti abve panzvimbo iyi. Zvokuti ane tsamba yekupihwa kwaakaitwa nzvimbo iyi hanzi hazvina dhiri nokuti achemberese zvakapfurikidza.
Vakuru ava vanonzi vakamuudza kuti arikudzingwa nekuti akura zvakanyanya uye haachakwanise kurima pa-Purazi apa.
Rukato akashungurudzika akati iye murume akura, haana kwekuenda uye kudzingwa koita kuti iyi nemhuri yake vadzungaire nesango.
“Ndapererwa veduwe ndibatsirei ndirikushungurudzika mushure mekunge vakuru vemuMinistry vapinda paPurazi pangu ndokundirayira kuti ndibve papurazi iri. Ndine makore 84 ekuberekwa. Ndinoenda kupi, ndoisa kupi mhuri yangu?”
“Kana vakati vari kunditorera munda nekuti ndakura, ndichavaudza kuti ndine vana nevazukuru vanogonawo kushandisa ivhu iri. Ndine tsamba yekupihwa kwandakaitwa yechikamu chevhu iri muna 2006.”
“Ini ndaivewo ndiri muhondo yerusununguko yakaunza nyika ino. Havagoni kundidzinga nekuti ndinotsigira MDC.”
“Ndiri kukumbira rubatsiro kubva kune avo vanogona kundibatsira kuitira kuti mhuri yangu iponeswe padambudziko iri riri kuuya. Hatina kwatinoenda.”
“Ndichashanyira hofisi yeLands kuMarondera kuti ndinzwe kuti chii chiri kuitika. Ndine mapurojekiti akati wandei pachirongwa ichi kusanganisira kuchera chibhorani.”
Vakabvunzwa kuti vataure nezvenyaya iyi, Officer Mashona Provincial Provincial Lands, Steward Blessing Musimwa, vanoti havazive nezvenyaya iyi.