
Hurumende yazivisa kuti vemakereke ngavachivhure havo uye vanotenderwa ndeavo vakabayiwa majekiseni maviri okudzivirira denda reCovid.
Kubva zvauya denda iri vanhu vaitenderwa kumakereke vaive makumi mashanu,apo kuungana kwakatozomiswa zvachose sezvo vanhu vakange voparara nedenda iri.
Vachitaura nezvekurerutswa kwemitemo yelockdown,information secretary Nick Mangwana vakati,” vemakereke vave kutenderwa uye vanofanira kuve vakabaiwa majekiseni maviri okudzivirira denda ratekeshera pasi rose iri”.
Mangwana akati ,”Vafundisi vachawanikwa vasiri kuteedzera mutemo uyu vachasungwa,”achiwedzera,”vose vane humbowo hwokuti vakabayiwa ndivo vachatenderwa chete kupinda mukereke”.