
Amai Priscilla Chigumba varikuonekwa pa-video rino vachitaura kuti sarudzo dzegore rino ra2023 dzakakora muto, vanoti ivo semukuru weZec havasi kuzomboita zvinhu zvokuti munhu mumwechete ndiye ngaawane benefit musarudzo idzi, asi kuti vachaita zvokuti Zimbabwe ndiyo ngayi benefite musarudzo idzi.
Sekutaura kwavo Amai Priscilla Chigumba vanoti, “Handisi kumbofa ndakaita zvinodiwa neumwewo munhu zvake kuti awane benefit ari ega, ndichaita zvokuti nyika iwane benefit pasarudzo dzegore rino.
Vanoenderera mberi vachitaura zvakadzama vachiti, “kana paine vamwe vanenge vasiri kugutsikana nezvatinenge taita munouya togara pasi totaurirana towirirana sema Zimbabweans, toita chinhu chimwe chete chinoita kuti nyika ienderere mberi takabatana.”
“Hatidi kuita Election inezhowe zhowe ndinoda kuita Election ichanakidza munhu wese.” Written By Mkoma Jola
Amai Priscilla Chigumba vazivisa izvi!
“Handisi kumbofa ndakaita zvinodiwa neumwewo munhu zvake kuti awane benefit ari ega, ndichaita zvokuti nyika iwane benefit pasarudzo dzegore rino. pic.twitter.com/0VoNptyok7
— Jolas News Online (@JolasNewsOnline) February 4, 2023