
Mukadzi wekwaChikanga anga ava kuda kuzviuraya mushure mekunyimwa bonde nemurume wake kwegore rose.
Izvi zvazobuda pachena mudare rekwaMutare Civil Court apo Nyarai Makuyana azvuzvurudza murume wake, David Wasiwo, achida gwaro rokuti Murume wake amupe kodzero dzake dzakakwana sezvo mumba make musingachanakidze kugara.
Makuyana audza mutongi wedare rekwaMutare, VaXavier Chipato, kuti akazowanikwa noshamwari yake isina kudomwa nezita ava kuzviuraya nokuda kwekuti Murume wake arikumunyima bonde.
Azivisa dare kuti akagamuchirawo counselling kubva kuvabereki vake zvichitevera kuyedza kwake kuda kuzviuraya.
Murume wemukadzi uyu Wasiwo akabva aramwa kuita bonde nemukadzi wake mushure mokunge atanga kumupomera mhosva yokuita gumbo mumba gumbo panze.
Nekudaro, Makuyana mukadzi wemurume uyu arikuramba kuti akamboita chikomba muhupenyu hwake.
“Handina kumboita Chikomba ini. Murume ari kupomerwa kuti chikomba changu ndeye munhu akazondibata musi wandaive ndava kuzviuraya zvokuti dai pasina iye ndingadai ndisisipo panyika pano,” anodaro pamberi pe-court.
“Ndakanga ndaora mwoyo chaizvo sezvo murume wangu Wasiwo aindinyima bonde, kwenguva inopfuura gore rose, uye kuita kwemurume wangu kwakakonzeresa kuti ndifunge zvokutora hupenyu hwangu, asi murume uya akadzivirira kuti ndisazviuraye nhasi uno ndiye ava kunzi Chikomba changu. Ndakawanawo counselling kubva kuvabereki vangu nevamwe vanhu vane hanya neni mushure mechiitiko ichi, ”anodaro Makuyana.
“Zvadaro murume angu Wasiwo uyu akabva apisa imba yangu yandaigara nevana vangu ndokubva atiza nevana vangu. Iyezvino pokugara hapasisona nokuda kwake.”
“Mushure mekumumhan’ara kumapurisa, vakandiudza kuti nditange ndawana pekugara ndisati ndadzorerwa vana. Sisi vake vakandipa pekugara. Ndinokumbira kuti dare rino riite kuti Murume wangu adzose vana vangu omanikidzwa kuchengeta vana vake varimumaoko angu, ”anodaro.
Makuyana arikudawo kuti Wasiwo abhadhare $ 12 000 pamwedzi yekuchengetedza mhuri yake.
Akakumbirawo dare kuti rimurambidze kumushungurudza nekumurova zvakare.
Wasiwo akaudza dare kuti kunyange hazvo achikwanisa kubhadhara mari yechikoro yevana, haakwanise kubhadhara $ 12 000 mwedzi wega wega sezvo iye asingashandi.
Zvisinei, magistrate Chipato akaudza Murume uyu kuti abhadhare $8 500 kuitira kuti vana vake vakwanise kuenda kuchikoro, ukuwo Makuyana ndiye achazotenga chikafu chevana.
Magistrate apawo gwaro re protection order rokudzivirira Makuyana kuti asashungurudzwe nomurume wake.
— Manica Post