
Sangano rePolitical Actors Dialogue (Polad) rakagadzwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa muna2018 nezuro rakaburitsa kusagadzikana kukuru muboka iri pamusoro pekuti nyika inofanirwa here kumisa sarudzo dza2023.
Dzimwe nhengo dzaro dzadirawo mvura inotonhorera ndedze bato neMDC-T inotungamirwa naVaDouglas Mwonzora dzichiti zviri bho-o kunonoka kuvhota kana kuti ma election ozoitwa mukati me vision 2030.
Izvi zvinouya mushure memashoko yadarika okuti Mwonzora akaenda kuna Mnangagwa akamukumbira kuti kumbomiswa sarudzo dza2023 achifunga kuti dzaizodhura uye dzichizovhiringidzika
Dzimwe nhengo dzePolad nezuro dzakaudza NewsDay kuti dzimwe nhengo dzaive nehurongwa hwakazara hwekuti sarudzo dzienderere mberi uye kukurudzira VaMnangagwa kuti vavapinze muhurumende neParamende.
Mutungamiri webato rinozivikanwa richinzi reRepublican Party of Zimbabwe, VaKwanele Hlabangana, vanove zvakare nhengo yePolad, vati pfungwa yokuti sarudzo dziregerwe kuitwa zvine njodzi yakakura uye haafanire kuitwa.
“Avo vanhu vanoda kuti sarudzo dzemuna 2023 dzimbomiswa vane njodzi huru nekuti sarudzo munyika chero ipi zvayo, inyaya yebumbiro remutemo, uye hatibate sarudzo tichitarisa zvido zvevanhu. Tinoita sarudzo nekuti tinotevera Bumbiro romutemo. Handione paine nharo kana gakava pamusoro pesarudzo nekuti tine Bumbiro remitemo munyika muno,” anodaro Hlabangana.
“Tichange tichimhanya nyika yakaita sei kana tikangofunga kuti hapana sarudzo? Polad haigone kuve nechinzvimbo chakasiyana nenzvimbo yebumbiro remutemo. Chinhu chega chatiri kuita sePolad isu tiri kurwira shanduko yesarudzo. Tinotenda kuti sarudzo hadzifanirwe kupikiswa semamiriro ataive nawo muna 2018. Tinoda kuita sarudzo dzakasununguka dzinosiya munhu wese achigutsikana. Tiri kushanda pakuvandudza sarudzo dzomunyika,” vanodaro.
Asi dzimwe nhengo dzePolad dzakati sarudzo idanho raizodhurira nyika mari zhinji zvinozoita kuti nyika iparare, ndosaka varikuti zvakakosha kuti sarudzo dzimbononotswa kuitwa munyika. — Newsday