
Vagari vemumaguta ekumabvazuva kweHarare eTafara, Mabvuku neCaledonia vari muhondo kurwisa pfambi dzavari kupomera mhosva yekukonzeresa kuora kwetsika nemagariro evanhu pamwe nemabasa ehutsotsi.
Pfambi dzinonzi dzashandura masabhabha makuru kuita dunhu rakatsvuka-mwenje uye vanonzi vachinja nzvimbo iyi kuita Sodom neGomora.
Women in Action (WA), boka remadzimai iro basa rayo guru nderekurwisa chipfambi muCaledonia, rinoti harisi kuzomira kupedza huyanga hwose uhwu.
Kana kwodoka madzimai anenge amira mumigwagwa asina kusimira vachiita zvinyadzo kune chero munhu anenge achipfuura nepo.
“Vakadzi ava vanofanirwa kuendeswa kure nekuti vari kuuya kuzotiparadzira dzimba,” Mai Cecilia Mutenga, sachigaro weWA vakataura.
Mai Mutenga vakati boka ravo, iro riri pasi peCaledonia Residents Association Trust (CRAT), rinoda kuti zvivakwa zvinoshandiswa nepfambi zviparadzwe.