
Mbavha yechikadzi yabatwa yatondonyera mwana mu-bin remarara arimu box remajekiseni umo maanga achitambura ‘kufema’, achitakanyika arimo. Video ririkutenderedzwa pa +263775934930 WhatsApp group parikuonekwa Amai ava vachibvunzurudzwa nemapurisa vachitsanangura varipachipatara apa vachiratidza zvavanga vachiita kusvikira kuzoba mwana kwavaita.
Vachitsanangura pa-video ino vanoti, “Mwana uyu dai ndakabudirira ndaizonomuuraya ndega ndoisa musoro wacho mu cooler box ndoisa ma ice blocks kusvika ndasvika nawo ku South Africa.”
“Ndaingoda musoro wemwana uyu chete, mutumbi wake ndanga ndichanouviga musango ndoucherera pasi.”
Vachienderera mberi vachitsanangura kupinda kwavakaita muchipatara ichi vanoti, “Ndichipinda mukiriniki ndatora ngowani yanga yakasiiwa yakarembera padhuze nemusuwo ndokuipfeka mumusoro mangu.”
“Ndapinda mune imwe kamuri ndokutora gown repachipatara ndokupfeka, ndokutora mutsvairo ndokutanga kutsvaira kuitira kuti vanhukadzi vange vazvara vana vavo vasandifungire zvakawanda.”
“Ndazopinda mune imwe imba ndikatora cooler box ranga riine majekiseni nemimwe mishonga yekurapa ndikazviputira mupurasitiki ndikanozviisa mune imwe kamuri.”
“Ndapinda muwadhi inozvarira vanhukadzi ndikaona kuti mumwe wevananyamukuta anga ari busy achibatsira mumwe mukadzi anga ava kuda kusununguka.”
“Ndabata mwana mumwe ndikamusiya sezvo huremu hwacho hwanga hwakawandisa. Ndabva ndaba shangu dza Amai vomwana uyu ndikadziviga. Amai ava pavatanga kutsvaka Shangu dzavo ndabva ndavati endai kuseri panze munodzitsvaka dzingangodaro dzabatanidzirwa nemarara.”
“Amai vomwana uyu vabuda vachinotsvaka Shangu dzavo ndokubva ndasara ndichitora mwana wavo ndikanomuisa mu-bin remarara.”
Amai vokuba Mwana ava vanemakore 33, vanogara ku Overspill ku Epworth. Vaenda pachipatara cheku Epworth Polyclinic kunoba Mwana achangozvarwa kuti vanochinjanisa musoro wake ne-Kombi kuSouth Africa.
Pakutanga Amai ava vanyepa zita ravo ndokusviti Jossy Kanzimbe, pazouya hama dzavo ndipo pazobuda chokwadi kuti zita ravo kuti ndi-Christine Gwashavanhu anobva kwaMurewa uye aimbove mudzidzisi kuzvikoro zvitatu zvakasiyana kuMt Darwin. Kutaura kuno ava mumaoko emapurisa.
Hona zvirikuitika pa video iripazasi apa!