
Mumwe murume wekwaMabhele Village pasi paSabhuku Tategulu kuTsholotsho anonzi akabata chibharo nekupa nhumbu muzukuru wake anorwara nepfungwa asati azviuraya.
Asiya apisa zvinhu zvake zvose kusanganisira imba yake ndokuzozvisungirira mumuti.
Murume uyu zera rake harina kuzivikanwa, anonzi akazviuraya neChishanu chapfuura apo anga akatarisana nekusungwa.
Chiitiko ichi chinouya panguva ino ye lockdown, misikanzwa yekudashurwa kwemaDzini irikuwanda pamwe chete nemhirizhonga mudzimba dzezvepabonde sezvo vapari vedzimhosva dzakadai varikuwanda kumakamba emapurisa.
Mapurisa arikuti hazvisi nyore kuvanhu vekunharaunda dzevanogara kumaruwa panguva ino yeCovid-19 uye vamwe vanhu vanofanirwa kufamba nzendo refu kunomhan’ara nyaya dzavo izvo zvinozopa kuti vabve varegera kuzivisa mapurisa.
Vepedyo vaiona zvomunharaunda iyi vanoti muchinda uyu aionekwa kuti kuwirirana kwaaita nemurwere uyu kwaisava kwega kwaitove nechirevo.
“Zvinosuwisa chaizvo nekuti mwana wehanzvadzi yake akazvarwa aine chirwere chepfungwa iyi ndokubva amuitisa pamuviri. Ndiye mumwe munhu anogara pamba uye nharaunda yakakatyamadzwa kuziva kuti ava nepamuviri. Mushure mekubvunzurudzwa, akabva aburitsa pachena kuti sekuru vake ndivo vaita basa rekubatabata nhengo yake, nyaya yakabva yaendeswa kumapurisa.
Iye paakaona kuti nyaya yava mumaoko emapurisa akabva aruka zano rekuzviuraya.
Mukuru weMabhele Village, VaThayimoni Sibanda, vakati nharaunda ichiri kushamisika sezvo mupara mhosva akaita zvinhu zvisingagamuchirike.
Izvi zvakaitika neChishanu chapfuura. Murume uyu anonzi akapa pamuviri mwanasikana wasisi vake uyo anovawo murwere wepfungwa.
Akange amushandura kuita mukadzi wake ndokubva amupa pamuviri.
VaSibanda vachitaura vanoti, “Takamushevedza kudare retsika nemusi weChina kuitira kuti agone kutsanangura zvaaipomerwa kuitira kuti nenhengo dzemhuri yake dzizive kuti zvakafamba sei. Takamuraira kuti azviendese kumapurisa kana kuti taizomuendesa zvenharo, ”vakadaro VaSibanda.
“Saka, nemusi weChishanu takaona kuti akapisa imba yake, akapisa zvinhu zvake zvese uye akazviuraya nekuzvisungirira pamuti. Takadaidza mapurisa akaita ongororo yenyaya iyi.” – Chronicle