
Mumwe murume weku Zaka anosangana nekufa kusingatarisirwi mushure mokunge atemwa nematombo nemapatya maviri ane makore 22 okuberekwa kusvikira afa achipomerwa mhosva yokuramba kuvapa mvumo yokuti vanwe doro rake.
Chiitiko ichi chakaitika kuBaramanza Business Centre kuZaka apo Innocent naEnock Chari vanonzi vakarova Owen Munengwa akafa. Mapatya anonzi akarwisa Munengwa apo paairamba doro rake.
Mapurisa akati mapatya, Munengwa nevamwe vaviri vasina kudomwa nemazita vaive vachinwa doro panzvimbo yemabhizimusi apo mushakabvu uyu paakaramba chikumbiro chemapatya awa chokuti vanwisidzane doro rake.
Mapatya aya akabva aita mhirizhonga ndokutanga kurova Munengwa nematombo achimumanikidza kuti atizire munzvimbo yekutengesa doro iri padyo panzvimbo yemabhizimusi kwaakanozvivharira mukati.
Zvirikunzi, mapatya awa akabva atevera ndokunopwanya mahwindo ezvitoro asati aenda kumba kwawo.
Mushure mechinguvana Munengwa akabva avatevera kumba kwavo kuti vanovarwisa. Paakasvika ipapo, vakatanga kurwa ipapo, Munengwa akabva ati tsoka ndibereke atoona kuti simba rinemapatya awa harisi kutangika.
Zvisinei mapatya aya akamumhanyisa ndokubva vamubata Munengwa ndokuenderera mberi nekumurova nematombo mumusoro achibva afenda.
Mhuri yaMunengwa yakamumhanyisira kuMorgenster Mission Hospital uko kwaakazonzi afa achangosvika.
Mutumbi wake wakazoendeswa kumochari yeMusiso Mission Hospital kunoongororwa ropa uye nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekuZaka zvochibva zvangoita kuti mapatya awa asungwe.
“Tiri kukurudzira veruzhinji kuti vakoshese hupenyu hwevanhu nguva dzese, uye vaedze kudzivirira kunetsana kusina maturo,” mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo Inspector Kudakwashe Dhewa vakadaro. — NewZimbabwe