
Mukadzi ane makore 18 anobva kwaRusike, kuMarondera, asungwa mushure mekunge abaya baba vake kaviri achiyedza kununura amai vake .
Chiitiko ichi chaitika nenguva dza 2:30 mangwanani anhasi kwaRusike Phase 3 apo Wadson Chatida (44) paasvika pamba achidaidzira kuda kudashura sinhi remukadzi wake Prisca Chatida (36).
Prisca anonzi audza Wadson kuti haakwanise kuti vaite bonde vese sezvo anga ari kuenda kumwedzi, Wadson haana kufara nazvo achibva atanga kurova Prisca.
Prisca atanga kupopota uye ruzha rwakwezva vanasikana vavo vaviri vamhanyira kuimba yekurara vachida kununura amai vavo.
Prisca akwanisa kutizira kukicheni, asi Wadson amutevera ndokuenderera mberi nekumurova apo vanasikana vavo vaviri vachiedza kununura amai vavo.
Mushure mekuedza kununura Amai vavo ,mumwe wevanasikana vavo,Winnet atora banga remuKitchen ndokubaya baba vake padumbu neparuoko rwerudyi, avakuvadza zvakanyanya.
Wadson atarisana norufu, hupenyu hwake huripanguva yakaoma arimuchipatara cheParirenyatwa muHarare, apo Winnet ari mumaoko emapurisa.