
Mukadzi ane makore (19) akaroorwa anonzi akagerwa choya panzvimbo inoyera yeJohanne Masowe yeChishanu.
Chiitiko ichi chakaitika kuMacheke svondo radarika apo Moreblessing Kuziwomunhu akataura kuti akamanikidzwa navamwene vake Evelyn Zenda kuti agerwe nemuporofita kunzvimbo ino tsvene kuitira kuti asarwadziwe nenhumbu pakuzvara.
Paakagerwa husiku uyu vhudzi rake rakaendeswa kubako rinoyera (ninga).
Akarwadziwa nezvaakaitwa, Moreblessing akazivisa amai vake Mai Kuzivamunhu asati aendesa Zanda kudare raSabhuku Mangwende.
Mhosva irikupomerwa Zanda ndeyekumanikidza Moreblessing kuti aende kunogerwa choya.
Moreblessing paakaitwa izvi paive pasina murume wake, akagerwa nevarume vatatu vaimumanikidza kuti agerwe choya.
“Ndanga ndisina kuenda kuchechi kwenguva yakareba uye vamwene vangu vakandikoka vachitaura kuti mweya waida kutaura neni.”
“Tichisvika panzvimbo iyi, mumwe wevaporofita akasimuka ndokundipa chiporofita chekuti handibve panzvimbo iyi vasina kundigera bvudzi. “
Pakasimuka varume vatatu vachiti vane chigaro mu-church iyi, uye vachabetserana kundigera.
Ndakagerwa mumwe achindi dira mvura muviri wese uye chikonzero chavo chaive chekuchengetedza nhumbu yangu.
Akaudzwa kuti aendesa vhudzi rake kubako, vakamupa vhudzi rainzi asanganise nemarasha ndokuriisa mumucheka muchena vasati vaenda naro kubako kuma9 dzemanheru.
Moreblessing anotaura kuti akambonetsana nevamwene vake mazuva apfuura akavakumbira ruregerero. Ndicho chikonzero chaasina kuvarambira kuti vaende vese kunzvimbo iyi.
Nyaya iyi ndakaiudza murume wangu akarwadziwa zvisingaite, ndakanotaura kuna amai vangu zuva raitevera.
Munyaya yakangofanana neiyi, video Pastor veku Ghana vachitogera choya chemadzimai ose arimuchechi!
Amwene nemaporofita ayo vanoroya, akatogadzirwa muroora uyo.
Thanks for the news
Maprofita enhema aya….apa zvavakaita zvekugera munhu kuroya kuri pachena chaiko
Thanks for the news