
Mukadzi wekuKariba nezuro masikati akakuvara zvakaipisisa Mushure mukurwiswa nenyati kuKariba.
Mukadzi uyu akaendeswa pachipatara cheKariba district, akarwiswa nenyati Mushure mekutsvaga mupfudze pedyo nekune ma-sewage kuDam.
Nyati iyi yakauya nekumashure kwemukadzi uyu yakamurova nenyanga,mukuru weZimbabwe National Parks and Wildlife (Zimparks) vaTinashe Farawo ndivo vakaendesa mukadzi uyu pachipatara cheKariba District.
Vakaona izvi vakati akatanga akandwa mudenga achinogamwa nenyanga yenyati.