
Vanhu vaive pamariro vakasiyiwa vasina neremuromo apo mumwe murume wekuMuslim akadzoka kuhupenyu asati avigwa.
Maererano nePulse.com.gh,inoti chiitiko ichi chakaitika kuHermel,Lebanon.
Ripoti inoti murume uye akaonekwa kuti aifema paakange oda kuvigwa uye vanhu vakapedzisira voita CPR vakamirira amburenzi.
Kuchipatara,madhokotera akaona kuti aive mupenyu zvechokwadi uye haana kukwanisa kutsanangura kuti sei aive ambonzi afa.
Vanhu vanoonekwa vakatenderedza coffin,vachicherechedza kuti chitunha chaive chipenyu.
Ripoti inoti aive afa maawa mana aive adarika uye aizovigwa pasina chinguva sechinamato chelslamic.